Connect with us

Hi, what are you looking for?

Local News

Murwere wepfungwa wobatwa chibharo ndokuita pamuviri

Hungry Thief Admits to Breaking into House, Stealing Meat, Alcohol

Murwere wepfungwa wobatwa chibharo ndokuita pamuviri

MUDZIMAI ane makore 23 okuberekwa wekuClaremount Park, kuGweru, anonzi akabirwa RTGS$600 uye ndokuzobatwa chibharo mubhawa rekanzuru risingachashandiswe nemumwe murume apo aifamba oga manheru achienda kune imwe nzvimbo yezvitoro yeko.

Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa20 Mbudzi nenguva dza7 manheru mumusha weAscot.

Mune imwewo nyaya yakafanana neiyi, murwere wepfungwa anonzi akabatwa chibharo kuMberengwa, nyaya ndokuzozivikanwa atova nepamuviri.

Inspector Emmanuel Mahoko, vanova mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, vanoti murume asina kuzivikanwa akahwandira mudzimai uyu ndokumubira mari yake uye ndokuzomubata chibharo apo aifamba achienda kuAscot Extension Shopping Centre.

Advertisement. Scroll to continue reading.

“Mudzimai uyu paakasvika pedyo nebhawa rekanzuru, kumberi kwake akabva aona murume akangobva nemusango achibva amudzipa. Anonzi akazomudhonzera mubhawa rekanzuru risisashandiswe achimutaurira kuti aida mari kwaari, akabva azomubira nhare yeItel ne$600,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoti panguva iyi, mudzimai uyu akaridza mhere zvakazoita kuti murume uyu atize.

Mudzimai uyu akazoenda kunotsvaga rubatsiro pabhawa re04 Night Club uko akazokwanisa kubatsirwa nemupurisa wepakamba yeMtapa.

“Tinoyambira veruzhinji kuti vasiyane netsika yekushandisa migwagwa yemusango kana kuti nzvimbo dzine rima kana vachifamba husiku,” vanodaro Insp Mahoko.

Mune imwewo nyaya yakaitika nguva yadarika, mudzimai wemakore 30 okuberekwa anofungidzirwa kuti anorwara nepfungwa anonzi akabatwa chibharo kwaSabhuku Simbi, kudunhu raMambo Nyamhondo, kuMberengwa.

Advertisement. Scroll to continue reading.

“Mhosva iyi yakaparwa apo mudzimai uyu aifamba oga achienda kurwizi uye mapurisa ari kutsvaga Tongai Shumba wekunzvimbo yemabhizimisi yeChirovandovo nekuda kwenyaya iyi,” vanodaro Insp Mahoko.

Zvinonzi murume uyu akatora mukana wekuti mudzimai uyu anorwara nepfungwa achibva amunyengetedza akamubata chibharo.

“Mudzimai uyu haana waakataurira nyaya iyi uye yakazotushuka apo mukoma wake akaona kuti aiva nepamuviri, pavakamubvunzurudza akataura nezvemurume uyu,” vanodaro Insp Mahoko.

Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa epakamba yeMataga.

“Tinokumbira kune vanoziva nezvemurume ari kutsvagwa uyu kuti vazivise mapurisa ari padyo navo,” vanodaro Insp Mahoko.

Advertisement. Scroll to continue reading.

Kune vanoda kubatsirana nemapurisa mukuferefetwa kwenyaya iyi vanogona kuridza nhare dzinoti 0778 069 322 kana 054 2221073.

Source: Kwayedza

ABOUT US

 

ShowBiz Zimbabwe

Dive into the world of Zimbabwean entertainment with Showbiz! We deliver the latest news on your favorite celebrities, musicians, actors, and everything in between.

Email: editor@showbiz.co.zw

You May Also Like

Advertisement

© Showbiz